Genesis 4

Kaini naAbheri

1Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” 2Mushure akabereka mununʼuna wake Abheri.

Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu.
3Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. 4Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha akagamuchira Abheri nechipiriso chake, 5asi Kaini nechipiriso chake haana kumugamuchira. Saka Kaini akatsamwa zvikuru, uye chiso chake chikaunyana.

6Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Wakatsamweiko? Seiko chiso chako chakaunyana? 7Kana ukaita zvakanaka, haungagamuchirwi here? Asi kana usingaiti zvakanaka, chivi chakakuvandira pamukova wako; chinoda kukubata, asi iwe unofanira kuchikunda.”

8Zvino Kaini akati kumununʼuna wake, “Ngatimbobuda tiende kumunda.” Uye vakati vari mumunda Kaini akarwisa mununʼuna wake Abheri akamuuraya.

9Ipapo Jehovha akati kuna Kaini, “Aripiko mununʼuna wako Abheri?”

Iye akati, “Handizivi. Ko, ndini muchengeti womununʼuna wangu here?”

10Jehovha akati, “Waiteiko? Inzwa! Ropa romununʼuna wako riri kudanidzira kwandiri richibva muvhu. 11Zvino watukwa uye wadzingwa panyika yazarura muromo wayo kuti imedze ropa romununʼuna wako kubva paruoko rwako. 12Paunorima ivhu, harichazombokuberekeri zvibereko zvaro. Uchava mudzungairi asingatongozorori panyika.”

13Kaini akati kuna Jehovha, “Kurangwa kwangu kunopfuura zvandinokwanisa kutakura. 14Nhasi muri kundidzinga kubva panyika, uye ndichavanzwa pamberi penyu; ndichava mudzungairi asina zororo panyika, uye ani naani achandiwana achandiuraya.”

15Asi Jehovha akati kwaari, “Kwete hazvingadaro; kana munhu upi zvake akauraya Kaini, achatsiviwa kanomwe.” Ipapo Jehovha akaisa rupau pana Kaini kuitira kuti kurege kuva nomunhu anenge amuwana angazomuuraya. 16Saka Kaini akabva pamberi paJehovha akandogara munyika yeNodhi, kumabvazuva kweEdheni.

17Kaini akarara nomukadzi wake, akava nemimba akamuberekera Enoki. Ipapo Kaini akanga achivaka guta, uye akaritumidza zita romwanakomana wake Enoki. 18Enoki akaberekerwa Iradhi, uye Iradhi akanga ari baba vaMehujaeri, uye Mehujaeri akanga ari baba vaMetushaeri, uye Metushaeri akanga ari baba vaRameki.

19Rameki akawana vakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha uye mumwe ainzi Zira. 20Adha akabereka Jabhari, ndiye akanga ari baba vavaya vanogara mumatende vaichengeta zvipfuwo. 21Zita romununʼuna wake rainzi Jubhari; akanga ari baba wavose vanoridza rudimbwa nenyere. 22Zira akanga ane mwanakomana, Tubhari-Kaini, aigadzira nhumbi dzemhando dzose dzendarira nedzesimbi. Hanzvadzi yaTubhari-Kaini yainzi Naama.

23Rameki akati kuvakadzi vake,

“Adha naZira, nditeererei;
imi vakadzi vaRameki, inzwai mashoko angu.
Ndauraya munhu nokuti andikuvadza,
nejaya nokuti randipwanya.
24Kana Kaini achitsiviwa kanomwe,
naizvozvo Rameki kana makumi manomwe namanomwe.”
25Adhamu akararazve nomukadzi wake, akabereka mwanakomana akamutumidza zita rokuti Seti, achiti, “Mwari andipa mumwe mwana panzvimbo yaAbheri, sezvo Kaini akamuuraya.” 26Setiwo akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Enoshi.

Panguva iyo vanhu vakatanga kudana kuzita raJehovha.

Copyright information for SnaBDSC